VERENGA TSAMBA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO.
House Number 4215
Mkoba 10
Gweru
15 Ndira 2017
Wadiwa Ruvimbo
Tsamba yakawakandinyorera ndakaigashira nemufaro. Kubva mutsanangudzo yako zvinoratidza kuti zororo reKisimisi rakakufadza. Ndakakwanisa kuenda kumusha kuMberengwa kunoona ambuya nasekuru vangu.
Rwendo rwangu rwakabudiririra asi ndakapona neburi retsono. Kutaura kudai ndingadai ndiri kwamupfiganebwe. Ndinosiverenga mumapepanhau nezvetsaona dzemugwagwa ndichiti zvimwe manyepo. Mushure mekuita tsaona nedutavanhu ndakabva ndazvionera pamhino sefodya.
Ndakabva kumba uri musi weMugovera kwasara zuva rimwe chete kuti zuva rekisimisi risvike. Pamusika weKudzanai handina kuita dambudziko rekuwana chekufambisa. Takabva muguta ava masikati. Mudutavanhu makanga musingadanwi anonzwa vanhu vachiita nyambo. Vaiseka zvekuvhunika mbabvu.
Mudhorobha reZvishavane takasvika zuva ropinda muna mai varo, Takarusumudzira takananga kumusha, mutyairi katanga kuvhetemesa dutavanhu achipiwa manyawi nezvidhakwa zvaimukurudzira. Pasina chinguva ndakanzwa ruzha rwekuputika. Dutavanhu rakatanga kuzeya-zeya. Mutyairi akamboeedza kuda kurinangisa mumugwagwa asi hazvina chazvakabatsira. Dutavanhu rakadzvova rakanaga musango richirima pasi segejo. Hapana akati bufu, takanga tangobatira ura mumaoko. Duta vanhu rakabva rabheuka ndokurara nerutivi rwaiva nevhiri rakanga raputika. Vanhu vane chitsama vakakuvara, vashanu ndivo vakafira ipapo.
Vanhu vakazotakurwa vose kuend kuchipatara asi ini handina kukuvara zvakanyanya. Zvizhinji ndichazokutsananguririra pandichakushanyira kwenyu kuGokwe.
Chero zvazvo ndakakwanisa kunoona vamwe kumusha, handina kuzofara sezvandaitarisira. Ndifarisireiwo vanin'ina vako Chipo, Tarisai nehanzvadzi yako Tafara.
Ndini ako
Fadzai